Philippians 2

Kristu mutungamiriri wedu pakuzvininipisa

1Naizvozvo kana kune imwe kurudziro kuna Kristu, kana imwe nyaradzo yerudo, kana kumwe kudyidzana kweMweya, kana mune umwe moyo munyoro nemukunzwira tsitsi, 2zadzisai mufaro wangu, kuti muve nefungwa imwe, muve nerudo rumwe, nemweya umwe, nendangariro imwe; 3musingaiti chinhu nenharo kana nekuzvikudza kusina maturo, asi mukuzvininipisa kwemoyo umwe neumwe achikudza vamwe kukupfuurai pakunaka; 4umwe neumwe ngaarege kutarira zvake, asi umwe neumwe zvinhu zvevamwewo. 5Nokuti fungwa iyi ngaive mamuri, yakange iri muna Kristu Jesuwo; 6iye ari muchimiro chaMwari, haana kurangarira kuti kuenzana naMwari kupamba; 7asi wakazviita asina maturo, akatora chimiro chemuranda, akava mumufananidzo wevanhu; 8akati awanikwa muchimiro chemunhu, akazvininipisa, akava wakateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwemuchinjikwa. 9Naizvozvo Mwariwo wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura zita rimwe nerimwe; 10kuti muzita raJesu ibvi rese rifugame, revekudenga nevepanyika, nevepasi penyika, 11uye rurimi rwega-rwega rwupupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuve rumbidzo yaMwari Baba. 12Naizvozvo, vadikanwi vangu, sezvamakateerera nguva dzese, kwete sepakuvapo kwangu chete, asi ikozvino kunyanyisa pakusavapo kwangu, shandai ruponeso rwenyu pachenyu nekutya nekudedera; 13nokuti ndiMwari anoshanda mamuri, zvese kuda nekuita nekuda kwechido chake chakanaka. 14Itai zvinhu zvese musinganyunyuti nekupikisana; 15kuti muve vakachena uye vasina chavangapomerwa, vana vaMwari vasina gwapa pakati perudzi rwakakombama nekutsauka, vamunopenya pakati pavo sezviedza munyika, 16muchitaridza shoko reupenyu, pakuzvikudza kwangu nezuva raKristu, kuti handina kumhanya pasina, kana kushanda pasina. 17Asi kana neni ndikadururwa sechibairo chinodururwa pamusoro pechibairo nebasa rerutendo rwenyu, ndinofara uye ndinofara nemwi mese. 18Nekuda kweizvozvi imwiwo mufare uye mufare pamwe neni.

Pauro anotuma Timotio naEpafrodito

19Asi ndinovimba muna Ishe Jesu kutumira Timotio kwamuri nekukurumidza, kuti iniwo ndifare pandinoziva zviri maererano nemwi. 20Nokuti handina munhu ane fungwa yakadaro, achava nehanya zvirokwazvo nezvenyu. 21Nokuti vese vanozvitsvakira zvavo, kwete zvinhu zviri zvaKristu Jesu. 22Asi munoziva kutendeka kwake, kuti semwana kuna baba wakashanda pamwe neni paevhangeri. 23Zvino ndiye wandinotarisira kutumira kwamuri pakarepo, kana ndaona zvakanangana neni; 24asi ndinovimba muna Ishe kuti iniwo ndomene ndichakurumidza kuuya. 25Asi ndakaona zvakafanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama, nemushandi pamwe neni neuto pamwe neni, asi nhume yenyu nemushumiri wekushaiwa kwangu; 26sezvo akange achikushuvai mese, uye akatambudzika, nokuti makange manzwa kuti wakange achirwara. 27Nokuti zvirokwazvo wakange achirwara ari pedo nekufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; kwete iye ega, asi neni, kuti ndirege kuva neshungu pamusoro peshungu. 28Naizvozvo ndakashingaira zvikuru kumutuma, kuti kana momuonazve mufare, neni shungu dzangu dziderere zvikuru. 29Naizvozvo mugamuchirei muna Ishe nemufaro wese, uye mubate vakadai neruremekedzo; 30nokuti nekuda kwebasa raKristu wakaswedera pakufa, asingarangariri upenyu hwake, kuti akwanise kushaiwa kundishumira kwenyu.

Copyright information for Shona